Rwizi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Rwizi (river) rgwizi kana gwizi, muchidzidzo cheTarachisi zvinoreva muronga unoyeredza mvura kubva kunzvimbo dzakakwirira kuenda kunzvimbo dzakaderera. Rwizi runogona kuva hombe kana diki; dzimwe nzizi dzinoyerera mitunhu yakareba dzichipinda munyika dzakawanda.
Mamwe mazwi anotaura rwizi ndeaya: rukova (brook), rukorodzi (small stream), rukoto, mukomba.
Izwi rokuti rukoto tinokwanisa kurishandisa kuturikira inonzi tributary kuEnglish, kureva rwizi runodira mune rwumwe rukuru. Sokuti Rwizi Munyati rukoto kuna Rwizi Zambezi.
Machiti (rapids in English) zvinoreva mangondo kana mawere anodzika ari munzira yerwizi, pahumwe zviichinzi chiti. Mangondo aya anoitika pane matombo makukutu akachinjika panoerera nerwizi, asi zasi kune matombo anokukurwa zviri nyore.
- Rufuvha (, dry stream, brooklet).
- Mukaha (Gorge) zvinoreva kuti rwizi rwuri pamupata wakadzika, iwo mahombekombe anew mukwidza wakanyanya. Zasi kweVictoria Falls kune mukaha unoyerera Rwizi Zambezi.
- Gombe (Shore, the land along the edge of a sea, lake, broad river, etc.) apa kureva nzvimbo yakakomberedza rwizi, nyanza kana gungwa.
- Birimo kana mapirimo zvinoreva hombekombe rerwizi ine matombo akakwira - high rocky bank.
- Biriri (bank of stream). Pahuwandu zvonzi mapiriri - kutaura uku chiNdau.
- Muhwe (current in water).
- Ronga kana muronga (river).
- Chikotoro - shoko iri riri kushandiswa pano kuturikira river basin kureva nzvimbo inokokorodzwa mvura inoyerera murwizi rwuri kucherechedzwa. Chikotoro chaRwizi Zambezi chinosanganisira matunhu ari munyika dzinoti: Angola; Zambia; Botswana; Democratic Republic of Congo; Zimbabwe neMozambique.
- Bonde reRwizi (river bed) - mazwi aya ari kuumbwa pachinyorwa chino kududza pavhu riri pasi perwizi. Zavakanaka kuonesana kuti izwi iri hariko kuChiShona chemazuva ose. Swahili inoti bonde la mto (river bed).