Kumbondera chirwere
From Wikipedia, the free encyclopedia
Kumbondera chirwere (muChingezi: diagnosis) mumutauro wevanoita nezveutano zvinoreva gwara rinotungamirira pakuzoziva kuti ndechipi chirwere kana chimiro chiri kukonzera zviratidzo zveurwere pamunhu. Kazhinji-zhinji kacho izvi zvinodaidzwa nezita rekuti kumbondera zvakarerekera kunezveutano. Humwe humbowo hunodikanwa pakumbondera chirwere hunounganidzwa kubva munhoroondo yemurwere nekumuongorora muviri wake. Kazhinji, kunotevedzwa danho rimwe kana maviri ekumbondera chirwere, akaita sekuvhenekwa nanachiremba. Dzimwe nguva kunyangwe kumbondera pamunhu atofa kunotorwa senzira yekumbondera zviri pamurawo wezveutano. Kumbondera chirwere kazhinji kunogozha, nokuti zviratidzo zvizhinji hazvina chirwere chimwe chazvakarerekera kwachiri. Semuenzaniso, kutsvukuruka kweganda kunogona kuva mucherechedzo wezvimiro zvakaipa zvakawanda, nokudaro hakugoni kutaridza mushandi wezveutano pane dambudziko.